
Tatambira mashoko anosuwisa kubva kwaMutare kuBocha, mwana anemakore 14 afa achirwadziwa nenhumbu pasina kuendeswa kuchipatara, vakuru veChechi vachiedza kuzvomira mwana.
Vabereki vemwana ava vachitaura nevatapi venhau veH-Metro varikuti vakarambidzwa kunoona mwana wavo achivigwa zvichinzi hazvisi pamutemo we-Church.
Mutemo we-Church yekwa Johanne Marange hautenderi munhu kuti aende kuchipatara vanongomunamatira kana aine nhumbu achibva angozvara ipapo, asi pakazoita dambudziko rinenge roda kuti uvhiyiwe neDoctors unongofa uchinamatirwa havambokuendesi kuchipatara.
Izvi ndizvo zvaitika pamwana uyu azofira arimuchechi yekwa Johanne Marange achizvara vakuru veChurch vachidza kumunamatira.
Vapindi ve Church ye Johannne Marange vanozivikanwa nekuramba zvachose kubatsirwa kuzvipatara chero dambudziko rikauya rakakura zvakadii ivo vanotenda kuti munhu anoporeswa nokunamatirwa chete.