
Mukadzi anozviita muporofita nemurume wake vakasungwa mushure mekufa kwemwana aive mumaoko avo. Muporofita nemurume wake vanga vachida kuviga mwana uyu nehour rimwechete vasati vaudza maAuthorities.
Izvi zvinoshamisa zvakaitwa muHarare kuZimre Park surburb.
Muporofita uyu nemurume wake vaive ambuya nasekuru vamwana akafa. Murume aishanda kuZimre Park Secondary School samahobho.
Chitunha ichi vanoti aisanzwa zvakanaka.
Ambuya vanozivikanwa semuporofita vaiedza kushandisa mushonga kurapa mwana uyu, asi hazvina kuzoshanda mwana achibva afa.
Vaviri ava vanga vachida kuviga mwana zvisati zvazivikanwa. Mushure mekunge mwana afa pahour rimwechete vakaenda kunomuviga kurwizi ruripedyo nekwavsnogara.
Mushure mekuvharwa nerima, sekuru vakachera guva rekuviga mucheche, Vaviri ava vakabatsirwa nevamwe vavaive navo.
Bursar nacaretaker wepachikoro vakazviona vakatevera kwaivogwaa mwana, vakanyumwa kuti mumwe waavo nemukadzi wake vaenda kunoviga mwana kurwizi, Vakakwanisa kuwana paivigwa mwana.
Vaviri ava nevamwe vakabatsirana kuviga mwana vakasungwa mushure mekunge nyaya iyi yaudzwa mapurisa, Mukadzi uyu akakumbira ruregerero akati akazviita nekushaya hanya, anoti aifungidzira kuti izvi zvekushandisa mushonga zvinoshandiswa nevanhu vemunzvimbo iyi.