
Mwana mukomana ane makore mashanu ekuberekwa wekupurazi reNumber 33 kuMarirangwe, kuBeatrice, anonzi akazonhongwa mutumbi wake uchidyiwa nembwa mubhuku raMagarasadza, kudunhu raMambo Nyamweda, kuMhondoro, apo anonzi ainge asiiwa oga pamba pechikomba chaambuya vake.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Magarate Chitove, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa27 Kubvumbi. “Tine nyaya inosuwisa zvikuru yemutumbi wemwana wemakore mashanu wakawanikwa uchitodyiwa nembwa dzinonzi ndidzo dzakanga dzaruma mwana uyu kusvikira afa pasina munhu akamununura sezvo pamba paakasiiwa paisava nevanhu. Zvinonzi ambuya vemwana wekufa uyu vanonzi Iren Magarasadza (64) vepapurazi Number 33 kuMarirangwe vakabva kumba kwavo vaine muzukuru wavo uyo ainzi Zvikomborero Magarasadza (5) vachienda kunhamo kubhuku rekwaMagarasadza mudunhu raMambo Nyamweda,” vanodaro Insp Chitove.