
Mapurisa ekuNdumberi,Kiambu,akasunga umwe mudzimai mushure mokunge murume waaipanana naye rudo akawanika akafa mukamuri yavaive vabooker paLodge.
Shiri dzorudo mbiri idzi dzaive dzabooker room number 7 paHotel Konteina kuma4:30 am. Mushakabvu,Muiruri Moses,akange atora kasikana kechidiki kubhawa uko vainwa door musi weChishanu.
Standard ichipa ripoti,inoti shiri dzorudo mbiri idzi dzakapinda muimba iri kuma4:30 am musi weChishanu,July 30 uye musi weSaturday,July 31 mukadzi uyu akazoonekwa ave kutiza akabatwa nevarindi vaive pedyo.
Kuma9.am vashandi vemuhotera umu vakaenda kukamuri yaive yatengwa nevaviri ava vakawana Muiruri akarara pamubhedha ari musvo uye pasisina hupenyu,mapurisa akadanwa.Kiambu police boss Badel Mohammed vakati ropa raibuda nemumukanwa mamuzvinabhizimusi uyu.
Mutumbi waMuiruri,uyo aitengesa nguruve kuti ararame,wakaendeswa kumochari wakamirira kuitwa postmortem.Mudiwa wake akasungwa uye akamirira mutongo wake kuNdumberi Police.Vamwewo vanoti Muiruri ainetseka pakufema.