
Murume wemuHarare akamira pamberi pedare redzimhosva achipomerwa mhosva yekubiridzira mushure mekunge avhara muzvinabhizimusi wemuGweru madhora $43 000 ekuAmerica.
Tapiwa Joy Vengai (30) akamira pamberi pemutongi wedare, Dennis Mangosi uyo akamusunga kusvika musi wa30 Gunyana nemubhadharo wemadhora 15 000.
Vengai akanzi agare kumba uye asachinje pekugara kusvika dare rapa mutongo wenyaya yake.
Zvinonzi imwe nguva muna Chivabvu 2021, Vengai akabata Rice ndokumuzivisa kuti akange apihwa tender nekambani yekuSouth Africa yekuwanisa mafuta kuZimbabwe.
Vengai akatumira Rice nhoroondo yekambani yekuSouth Africa iyo yaaiti ndiyo inopa mafuta. Sezvo Rice aiziva Vengai semunhu waaipinda naye chechi, akamutenda.
Muna Chikumi gore rino, Vengai akabata Rice ndokumuudza kuti ari kutengesa mafuta muHarare, achimuraira kuti aende kuguta guru.
Vengai nemumwe waanoshanda naye, Reginald Tafadzwa Manyakara akakumbira Rice kubhadhara mari yemafuta, nekuzoapihwa kwapera zuva.
Rice haana kupihwa mafuta aya izvo zvakazoita kuti atange kunyunyuta.
Vengai naManyakara, pamwe naAndrew Magirazi, vakasungwa.