
Mbavha dzine zvombo dzakapinda mumba memuzvinabhizimisi ane mukurumbira kuChiredzi Five Muchehiwa kuWesthood nenguva dza1 mangwanani apo dzakaba US $ 5 500, R28 000 nephone dzinodhura.
Nyaya iyi yakaziviswa neMutauriri wemapurisa kuMasvingo, VaKudakwashe Dhewa, avo vanokurudzira veruzhinji kuti vasachengetedze mari yakawanda mumba.
Vane ruzivo nezvanyaya iyi vanoti varume 6 vasingazivikanwe vaive vane pfuti nemapanga vakapinda pamba paMuchehiwa nenguva dza1 mangwanani vachidemander mari. Muchehiwa ndiye muridzi webhawa rinonzi rinova iro bhawa hombe muChiredzi.
Vakamanikidza kuvhura main door ndokupinda muimba maive makarara Martha Muchehiwa amai vemuzvinabhizimusi.
Mukadzi akarohwa nehana akaridza mhere zvakaita kuti Muchehiwa auye kuzotarisa kuti chitora nzvimbo apo akasangana nevarume 6, 3 vavo vaiva pfuti apo wechi4 aiva akabata banga. Mumwe wembavha akabatidza light ndokurova Muchehiwa uyo akadonha mushure mukunge avhunduka.
Mbavha idzi dzakademander mari uye vakarwisa mudzimai waMuchehiwa, Sharon Chawada uyo akavapa R28 000.
Vakatora US $ 5 500 neRTGS $ 22 000,makiyi epagedhi, D4D Toyota Hilux, Samsung S10,Samsung S21 neGtel X7 ndokubva vaenda.
James, mukoma waMuchehiwa paakadedza mapurisa, mbavha idzi dzakange dzave kure.
Chiitiko ichi chakaitika pasina vhiki mushure mekunge mbavha 4 dzainyepera kuva mapurisa dzasungwa kuChiredzi.