
Mutauriri webato reCitizens Coalition for Change, Muzvare Fadzayi Mahere, vanoti, kuramwa sarudzo hakuna musoro kwakangofanana nekuramwa Kisimusi iyo inongouya usingadi uchida, chiri kungodiwa apa ndechekuti munhu wese anyorese kuvhota chete, mukomana apinde hake.
Vanoenderera mberi vachiti bato ravo reTriple C harina chinangwa chekuramba kuita sarudzo dza2023, sezviri kutaurwa neguhwa riri kutenderedzwa nevanhu vanofungidzirwa kuti ndeveZanu PF.
Vachitaura pamusangano nevatori venhau wakaitwa muHarare nguva pfupi yadarika, Muzvare Fadzayi Mahere vakaramba mashoko ekuti bato rinotungamirwa naVaNelson Chamisa riri kuronga kuramwa kuita sarudzo nenyaya yekuti zvavari kuda hazvisi kuvandudzwa.
Muzvare Fadzayi Mahere vanotiwo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, inofanirwa kuvandudza kuitwa kwesarudzo sezvinodiwa nebumbiro remitemo.
Vakati bato ravo rine hurongwa hwekuvandudza zvematongerwo enyika kuitira kuti vene venyika ino vagare mumutambarakede.
Vayambira kuti mashoko avo haareve kuti CCC haina hany’a nekuvandudzwa kwezvematongerwo enyika vachiti ndiro chete bato rezvematongerwo enyika rakakwanisa kumanikidza ZEC kuti igadzirise zvematongerwo enyika zvainge zvakatsveyama.
Zimbabwe iri kutarisirwa kuita sarudzo dzakachena muna Chikunguru gore rino.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?