
Mumwe wevanhu 14 vemuZimbabwe vakaitwa deported kubva kuUnited Kingdom nemusi weChina akarova gero-friend rake kusvikira rafa ndokubva achekeresa muviri wake muna 2010.
Vakadzingwa ava kubva kuUK vanonzi vaipara dzimwe mhosva dzinotyisa varikunze kwenyika uku, hurumende yeUK inodaro ichiti yanga yatoneta navo, kureva kuti, UK yakaona zvakakodzera kuti vanhu vakambopara mhosva dzehutsotsi vadzorerwe kunyika yavo.
Archibald Gurure, uyo aive nemakore 35 muna 2011, weHumberstone Road, Leicester, akauraya Julia Mubvumba, aive nemakore 44, kufurati yake iri muguta musi wa25 Kurume 2010 ndokubva atizira ku UK ndokunopara dzimwe mhosva zvakare ikoko.
Gurure anonzi akarwisa gero-friend rake Mubvumba akadhakwa nehwahwa ndokubva amuuraya ndokumuvhiya ndokubva azvomora chiropa ndokubva amugura chigunwe ndokuenda nazvo kusina ani anoziva.
Gurure, uyo akabvuma mhosva yake yekuponda, akatongerwa kugara mutirongo kweupenyu hwese. Mangwanani mushure mekunge auraya Mubvumba akaridzira hama runhare ndokureurura mhosva iyi.
Mumwe wevakadzingwa akataura nemutori wenhau weZBC Rueben Barwe achisvika paRobert Gabriel Mugabe International Airport akazivikanwa neHarare saGurure.
Murume airatidzika kunge asiri kutendeuka akabatwa pakamera achipomera maBritish hunyengeri. Akabvuma mhosva yake yekuponda asi akapomera maBritish kuti akaponda zviuru zvevanhu vemuAfrica panguva yekoloni.
Vanhu vano kanganisaka. Munhu you make make mistakes. Ivo vakauraya vanhu vangani kuti vatore mapurazi muno umu? Vakaita zvhinhu zvingani? Zvinhu zvinganani zvavakaita?…Vakaita zvinhu zvinorova vanhu ava vachiuraya vanhu muZimbambwe, anodaro achipomera Mhosva ma British.
Pakadzingwa vanhu ava havana kupihwa mukana wekuti vatakure midziyo yavo yakakosha vakangouya vakatakura zvima Shangaan Bags. —BBC News