
Mutyairi weZupco ane rombo rakanaka zvikuru kurarama, akadhonzerwa muHonda Fit nemutyairi wemo nevamwe vake avo vainge vagara vachimutsvaga.
Mlondolozi Moyo uyo ane makore (35) aityaira Zupco rinonzi Toyota Hias achibva kumuPula South achienda kunosiya Zupco muKelvin North nomusi weChina na5.30 pm.
Mumugwagwa imomo maive naBornwell Moyo (36) aityaira Honda Fit nevamwe vake vaviri, vakati Mlondolozi amire asi haana kumira nekuti akafungira kuti matsotsi anogona kumubira .
Mlondolozi akawedzera kumhanya zvakaipa. Honda Fit yakamutevera ichimhanya zvakanyanya.
Zvinonzi Mlondolozi akatyaira ndokusiya bhazi rake asi asati aburuka Bornwell akabva asvika ndokumirawo padivi naMlondolozi. .
“Zvinonzi Bornwell nevamwe vake vakadhonzera Mlondolozi mumotikari yavo uyezve vakabva vamuisa mubhuti”, vakarova Mlondlozi neiron bar,yakadaro source.
Zvinonzi Mulondolozi akachemera rubatsiro kunevamwe vatyairi vemaZupco kuti vauye kuzomubatsira. Vakavharidzira Honda Fit kuti isafambe.
Kune mumwe akamirira nyaya iyi . anoti “pamaminitsi mashoma’ vanhu vainge vawanda panzvimbo iyi. Vakatematema Honda Fit iyi.
Zvinonzi Honda Fit yakaputitswa mavhiri uyezve mafafitera akatsemurwa.
ZRP Western Commonage vakasvikapo vakadzivisa vanhu zvavaiita.
Honda Fit yakatorwa ikaiswa kuWestern Commonage Police Station.
Mlondolozi akataura nyaya yake kumapurisa ukuwo Bornwell akaripotawo kuti motokari yake yakakuvadzwa. Akabva asungwa.
Mutariri wemapurisa wekuBulawayo Inspector Abednico Ncube vakaongorora nyaya iyi. .