
Mumwe mutyairi wetarakita akafa ipapo ipapo mushure mekukandwa kubva mutirakita achinowira mutara ndokumhara nemusoro wake uchinopwanywa pwanywa nemavhiri etirakita iyi muKwekwe, mapurisa akadaro.
Mushakabvu, uyo aityaira Massey Ferguson tsvuku, akananga kuGweru, achitevedza mugwagwa weHarare-Bulawayo, apo karavhani yake yakatsvairwa nerori chena yeMAN iyo yaida kupfuura.