
NewsDay.news
Mutungamiri weCITIZENS Coalition for Change, CCC, VaNelson Chamisa, nezuro vanoti bato ravo rave chenjedzo panyaya yeZimbabwe Electoral Commission (Zec) yekubirira vanhu pamberi pesarudzo dzemuna 2023.
Vachitaura kuzviuru nezviuru zvevatsigiri vebato ravo muGweru, VaChamisa vati vave ne “maziso” mukati mekomisheni iyi.
VaChamisa vakamboti vakabiridzirwa nekomisheni inoona nezvesarudzo musarudzo dzemuna 2018 uye vakaramba kucherechedza kukunda kwemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kunyange hazvo vakakundwa mudare reConstitutional Court.
“Pano ndinokuvimbisai kuti hapachave nekubirira, maziso angu ave kuZec, ndiri kuudzwa zvose zvavanoita uye nyangwe vakada kubiridzira, tichaziva kare toita kuti izvi zvisaitika,” VaChamisa vanodaro.
VaChamisa vataurawo zvakanangana nevakuru vehurumende, avo vati havafanirwe kutyira mabasa avo, asi vakuru vakuru veZanu PF vane huwori vanofanira kuenda kuitira kuti nyika ifare.
“Ndinoziva kuti vemauto vari kutya kurasikirwa nemabasa kana CCC yave hurumende. Asi havafaniri kutya. Vatungamiriri veZanu PF vane huori vatinoda kubvisa nekusungwa muhurumende itsva. Vakavimbisa vatsigiri vavo kuti vachaumba dare reCabinet rakaonda zvikuru.
“Hurumende haisi industry, haifanirwe kunge iri nzvimbo yaunouya kuzotsvaga mota, mari nemabasa evakomana kwete. Hurumende yedu ichange yakaonda, makurukota gumi nemaviri kusvika gumi nematatu chete pasina vatevedzeri,” vakadaro.
Panyaya yekuendesa masimba kumatunhu, vakati makurukota ese eHurumende achabviswa kuitira kuti kugoverwa kwemasimba kutange kushanda. VaChamisa vatiwo bato ravo harisi kuda kudyidzana neMDC.
VaChamisa vakurudzira VaMnangagwa kuti vaende pamudyandigere, kuitira kuti vechidiki vaenderere mberi nenyika. Vati zvematongerwo enyika mutambo wepfungwa kwete pfuti.