
Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa nemumwe wavo mutungamiri weBelarus, VaAleksandr Lukashenko, vasvika kuVictoria Falls nhasi mangwanani ano apo nyika mbiri idzi dziri kuda kusimbisa hukama mumapazi ose ehupfumi.
VaMnangagwa nemumwe wavo, mutungamiri wenyika yeBelarus, VaLukashenko, vaperekedzwa kunzvimbo yenokuona Victoria Falls Rain Forest uko kunoonekwa mhuka dzesango dzakasiyana siyana dzakaita seShumba neMakarwe.
Mutungamiri weBelarusian akasvika munyika neMuvhuro parwendo rwemazuva matatu, uye nezuro mangwanani akashanyira National Heroes Acre muHarare.
Kushanya kweMutungamiriri WeBelarus kunopera nhasi nekushanyira kwaaita kuVictoria Falls achinoona izvo zvinopihwa neWorld tourism destination.
Mazana nemazana evanhu ari kutarisirwa kunge arikuwo kuVictoria Falls uku vachionawo zviri kuitwa nevaviri ava.