
Mutungamiri weEconomic Freedom Fighters (EFF) Julius Malema opokana nomutongo wakapihwa vaJacob Zuma achiti kupika kwavarikuita varimu Jere hakuna kunaka, vanofanira kunopika community service varikumba kwavo.
Malema arikuti kunyangwe hazvo VaZuma vaine mhosva yavakapara yokuzvidza Dare reConstitutional Court, mhosva iyi haina hudzamu hokuti munhu achembera sava Zuma anzi avharirwe mujere.
Achitaura neKaya FM nemusi weChipiri 20 July, Malema akati VaZuma vanogona kuripa mhosva dzavo nemazvo vari kumba kwavo kuNkandla sezvinongoitiwao vamwe vanenge vapara tumhosva tusina tsarukano.
Mutungamiri weEFF akawedzerera achiti kukwegura kwavaZuma kunofanira kucherechedzwa zvakare zvokuti dare raifanira kumupa mukana wekupika Jere rake achibva kumba kwake.
“Redu basa nderekugadzirisa zvinhu. Chii chaunoda kugadzirisa nemunhu ane makore 80? Zvimwe zvacho hazvina musoro kurwisana nemudhara achembera kudaiso. VaZuma ngavaburitswe Mujere vaendeswe kunopika mutongo wavo varikumba kwavo, zvinotove nani kuti vaZuma vavharirwe mumba mavo somurango panekuvaisa Mujere.