
Muviri wemurume unofungidzirwa kuti uri pakati penakore (30) ne(40), nemusi wesvondo wakawanikwa wakanyangarara murwizi rweSakubva uye unofungidzirwa kuti wakapondwa.
Chitunha chakawanikwa pasi pezambuko iro rinobatanidza Sakubva neChikanga nemavanga kwese kwese.
Iye murume, uyo hauna kuzivikanwa, aibuda furu neropa mumuromo.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Luxson Chananda vanotsinhira nyaya iyi.
“Mumwe mupepeti akadana mapurisa achivaudza kuti paive nemutumbi waiyangarara murwizi Sakubva pasi pezambuko rinobatanidza Sakubva neChikanga.
“Ainge akapfeka bhurugwa rebhuruu nehembe nhema. Froth yaiuya ichibva pamuromo wake, apo chanza chake chekuruboshwe chakachekwa zvakadzika. Ainge akazvimba ziso rekuruboshwe uyezve aibuda ropa mumukanwa, ”vanodaro Inspector Chananda.