
Murume akaonekwa akafira pakati pemugwagwa pedyo neKweKwe-Mvuma road, zvinofungirwa kuti murume uyu akadhumwa nemota.
Mutumbi uyu hauna kuzivikanwa kuti ndewani, ma-marks emavhiri akawanikwa ari kumusana wemurume uyu kuratidza kuti akaita zvekutsikwa.
Mutumbi uyu wakaonekwa nemupfuuri pedyo neEastclaire road ine 20 Km peg pedyo neKweKwe-Mvuma road.
Mapurisa akaziviswa nezve Chiitiko ichi zvakaonekwa kuti yaive (hit and run) yakaita kuti akuvare mutumbi wese.
Mutumbi uyu wakaendeswa kuKwekwe General Hospital mortuary kunoitwa post-moterm uye nyaya iyi yakufefeterwa.