
Mutumbi wemunhurume wainge usina kupfeka wakanhongwa uri mugoronga papurazi reFori riri kuMvuma, kuMidlands svondo rakapera.
Pane fungidziro huru yekuti murume uyu akafa nekupondwa.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mutumbi waMilton Sithole (30) uyo aigara mubhuku raButa, kuLalapanzi wakawanikwa nevakomana vaitsvaga huni nemusi wa17 Nyamavhuvhu mupurazi reFori. “Nemusi weChipiri svondo rakapera, vakomana vaviri vose vane makore 16 okuberekwa vachigara kwaMushayabvudzi, kuMvuma, vaitsvaga huni mupurazi iri apo vakaona mutumbi waMilton Sithole wakakandwa mugoronga usina kupfeka. Mutumbi uyu waive nemaronda anoratidza kurohwa uyewo kumakumbo kuchiratidza zvakare maronda ekuti wakatemwa nematombo,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoenderera mberi vachiti, “Pakuferefetwa kwenyaya iyi, mapurisa akazowana mbatya dzemufi chinhambwe chipfupi kubva apa pamwe chete nechitupa chake. Wakazoendeswa kuchipatara cheMvuma kunoongororwa uyewo vanhu vakapara mhosva iyi havasati vabatwa.”