
Vabereki vakamhanya-mhanya kunotora vana kuchikoro mushure mekunge mahobho aonekwa akafa munzvimbo iyi.
Izvi zvakaitika kuLeiden Primary School kuDelft, Cape Town musiwe Wednesday 11 August.
Mutumbi wemurume ane makore 63 wakaonekwa muimba yekubikira yepachikoro.
Mumwe mubereki akati Mahobho uyu akafa neCovid-19 ndizvo zvakavaita kuti vaenda kunotora mwana wake.
Mutumbi wamahobho waive uri muimba yokubikira. Varidzi vechikoro vakafonera SAPS nevarapi. Vanoti murume uyu akafa, zvakakonzerwa ne, virwerwe zviri natural. Vakashaya mavanga mumuviri wake. Mapurisa akafonerwa mutumbi wakatakurwa asi chikoro chakaramba chakavhurwa.
Mutumbi wakabviswa kudzidzisa nekudzidza hakuna kumira. Vana vechikoro nevadzidzisi vakabviswa, nekurairwa kwakaitwa.