
Mutungamiriri wePoland Andrzej Duda nemusi weChina akava mutungamiri wekutanga kubva mumubatanidzwa wezvekuchengetedzwa kwedunhu reNATO, kutumira ndege yehondo yemhando yepamusoro kuUkraine, asi vamwe vari kuisvora vachiti ndege iyi haingagoni kurwisa mauto eRussia nekuda kwekuti ndeyekare.
President Duda vakazivisa kuti dzimwe ndege 4 dzerudzi rweMiG-29 fighters dzichaendeswa kuUkraine mumazuva anotevera kunobatsira kubvisa mauto eRussia akatora mamwe maguta eUkraine.
Ko chii chichaitwa neRussia zvazvadai? Kuti ichapedzisira yava kubhomba nyika dzose dziri muNATO here? Zvichakadaro, nyika zhinji dzeEurope dzirikuenderera mberi nekupa ndege dzehondo dzichibatsira Ukraine.
Zviri kuratidza kuti pasi rose, Ukraine iri kutsigirwa nenyika dzakawanda dzinosvika zana nemakumi mana neimwe 141, kuchitiwo Russia inenyika shoma dziri kuitsigira dzinosanganisira, Zimbabwe, Belarus, Syria, Eritrea neNorth Korea), pamwe chete neMali neNicaragua.
Nyika zhinji dzeEurope dzakaisa ziso radzo muUkraine izvozvi dzichiona ndege dzakachembera dzerudzi rweMiG-29 dzichiendeswa kunobatsira Ukraine, izvi zviripachena kuti nyika dzakasimukira dzichatumira zvamvari zvendege dzehondo yemhando yepamusoro izvo zvichaita kuti Russia izokurirwa.
Vanoruzivo nezvehondo vari kuti MiG-29s indege yakudhara inoshandisa tekinoroji yekare uye haigoni kupedza nguva yakareba iri mudenga, inenge iine munhu mukati. Kurwisa Russia pari kutoda ndege yechizvino zvino inonzi F-16s digital inokondirorwa nemunhu anenge agere muhofisi zvake. F-16s iyi inogona kubhururuka kwenguva yakareba iri mudenga, inokwanisa kuita zvakasiyana-siyana, iine masisitimu ekudonhedza zvombo zvinoputika.
Alex Walmsley, anova mubatsiri weRoyal United Services Institute (RUSI) muLondon, apa muenzaniso unemufananidzo wekuenzanisa “laptop ye1990 neMacBook yaizvino.
Ukraine inida kupihwa F-16 jets, yodzidziswa zvakare kushandisa ndege yacho kuitira kuti imise kuuraiwa kuri kuitwa vanhu vayo.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?