
Caretaker wepane imwe Chechi isina kuda kudomiwa nezita, anonzi akapamba musikana ane makore gumi nemashanu 15, ndokubva aenda naye kumba kwake kwemazuva makumi mana nemasere 48, achimudhakisa nehupfu hwemutiro, achimubata chibharo panguva yaada.
Mkhululi Ndlovu ane makore (42) okuberekwa akamiswa pamberi pemutongi wedare ramejasitiriti mudunhu reBulawayo Dambudzo Malunga akatarisana nemhosva mbiri dzinoti kurepa uye nekupamba.
Akaramba mhosva dzose dziri mbiri ndokubva ambovharirwa muchitokisi kusvika musi wa28 Kurume.
Mhosva dziri kupomerwa Ndlovu dzaanonzi akapara musi wa8 Mbudzi 2022, anonzi akasangana nekasikana kacho pedyo nepamba pavo kuNkulumane ndokumugadzika banga pahuro achimumanikidza kusveta hupfu huchena hunofungidzirwa kuti mushonga, crystal meth, unozivikanwa nekunzi gukaguka kana kuti hupfu hunobikiswa mutoriro.
Dare rakati musikana uyu aitya akasveta hupfu ndokubva adonha achibva afenda.
Zvinonzi musikana wechidiki akarohwa nehana paakamuka mangwanani ari mumba maNdlovu akashama uye paive nehupfu huchena hwaiva pamubhedha.
Musikana uyu akaudza dare kuti Ndlovu akamumanikidza kusveta hupfu, mushure mekunge anzwa hope ndokudonha zvishoma nezvishoma achibva afenda.
Dare rakaudzwa kuti musikana uyu akazomuka achiona akashama aine zviratidzo zvokuti aive aitwa bonde naye. Parutivi rwake paive nemakondomu airatidza kuti aiva ashandiswa paari. Murume uyu anga ava kugara nemusikana uyu akamuvharira asingamutenderi kubuda panze achimuita mukadzi paadira.
Musika anonzi akazopona apo Ndlovu akamuti amuperekedze kuOld Lobengula kunotenga zvinodhaka.
Ndlovu paakanga ari mushishi kutenga zvinodhaka izvi, musikana uyu anonzi akabva abuda achitiza akananga kukamba yemapurisa kunomhan’ara nyaya iyi.
Ndlovu akazosungwa ari panzvimbo yechechi iyi. — BMetro
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?