
Musikana ane makore gumi nemaviri ekuberekwa anobva kuVictoria Falls anonzi akafa vhiki imwe chete mushure mekubaiwa jekiseni remushonga mutsva weTyphoid conjugate (TVC).
Ethel Tshuma anobva kuVillage 8 munzvimbo yeLubangwe akabayiwa Jekiseni musi wa1 Chikumi ndokufa musi wa8 Chikumi kuchipatara cheSt Patrick’s kuHwange.
Mhuri yekwa Ethel vanofungidzira kuti akazoita jabha apo muviri wake wakatanga kuzvimba mushure mekubaiwa jekiseni.
Vachitaura panguva yemubvunzo, mainini vemusikana Memory Tshuma vakaudza The Chronicle kuti ruoko rwaEthel rwakatanga kuzvimba musi waakabayiwa jekiseni .
Akati musikana akarasikirwa nehana uye akaita chiveve asati afa nemusi weChipiri kuchipatara cheSt Patrick uko kwaainge achirapwa.
VaTshuma vakati Ethel anga asina umwe hutano inozivikanwa asati atambira TVC nemushonga wekudzivirira gomarara.
Zvichakadaro, mutumbi waEthel waendeswa kuBulawayo kunoongororwa chakakonzeresa kufa kwake nevakuru vanoona nezvehutano .
Chiremba wedunhu reHwange Doctor Fungayi Mvura vati ndekekutanga vachinzwa nyaya iyi.
Vati vakamirira mhedzisiro yekuvhenekwa kwemufi kuti vazive chakakonzera kufa. Akadaro Mvura:
Tichiri kumirira zvabuda mushure mekufa kuitira kuti tigone kuziva kuti yanga iri nzira yekudzivirira here kana chimwewo chinhu. Parizvino, hatigone kupa chero ruzivo nekuti mutumbi waenda kunovhenekwa.
_*Receive Daily News’ front page as soon as you join +263775934930 WhatsApp group*_