
H-Metro.news
MHURI yake neveruzhinji vakaungana kurufu vachimuchema mushure mekunge abatwa netambo dzemagetsi. Asi, Vellah Misodzi, aive nemakore gumi nemana panguva iyoyo, aive asati afa.
Kwemaawa manomwe, akarwira hupenyu hwake muImba Yevanorwara zvakanyanya, uye mhuri yake yakarasa tariro.
Vella, uyo anogara kuJuru (Bhora), akabatwa nemagetsi mugore ra2016 achibva kuchikoro, apo akatsika tambo dzeZesa, dzakanga dzadonhera mumugwagwa. Aive afenda kwemaawa manomwe zvichiita kuti mhuri yake igadzirire mariro.
Zvisinei, panenge pakati pehusiku, akabva abuda pakoma yake. Akanyora bvunzo dzake dzeGrade Seven, ari pamubhedha wake wemuchipatara, mushure mekukuvara zvakaipisisa. Vellah akarasikirwa negumbo, ruoko nezvigunwe.
Parizvino atova Form Two uye ndiye mukuru mukirasi yake. “Ndinogara naamai kuBhora kwaSadunhu Goromonzi ndakaudzwa kuti baba vangu vakafa ndichiri mudumbu.
Ndakazvarwa ndisina kana pakaremara, sezvineiwo nomusi wa22 Gunyana, 2016, ndichibva kuchikoro ndakatsika tambo dzeZesa mhenyu, idzo dzakadonha zvichitevera kutsva.
“Moto wakapisa munzvimbo iyi ukapisa danda reZesa, iro rakadonha mumugwagwa, tambo dzakasara dziri pachena. Ndakatsika tambo idzi ruoko rwangu rweruboshwe negumbo zvakanamira patambo. Bvudzi rangu raive richitsva uye panguva iyoyo magetsi akabva adhinguka ndisati ndafenda,” akadaro.
Vakamununura vakatozocheka mayunifomu aaive akapfeka. “Vakatozoshandisa banga kucheka yunifomu iyi, nyama yangu ichisvuuka izvo zvakaitika kuma6 manheru.
Ndakazotakurwa kuMusami Mission Provincial Hospital ndisati ndaendeswa kuParirenyatwa nekuda kwekukuvara kwakanyanya kwandakaita.
“Ndakazopengenuka kuma12 pakati pehusiku uye ndaibvunza kwandaive.
Ndakaona kuti pedyo neni paive nemumwe murume aive nemusoro wakatsemuka uye ndakatya nekuda kwemamiriro ake, ndisingazive kuti ndaiva ndakakuvara zvakanyanya kumupfuura.
“Ndakagara muchipatara kwemwedzi mitatu uye ndaifanira kunyora bvunzo dzangu dzeGrade Seven ndiri pamubhedha wechipatara.