
Mwana wechikoro Form 4 wekuGweru akawanikwa svondo radarika akarembera padenga remba yavo kuMkoba azviuuraya.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Emmanuel Mahoko, akatsinhira nezvechiitiko ichi.
Mapurisa eGweru ari kuferefeta nyaya yekufa kwemumwe mukadzi ane makore 19 akawanikwa akarembera padenga remba kuMkoba, Gweru. Chiitiko ichi chakaitika nemusi wa14 Chikumi 2021 kuma 1300hours kuMkoba 13 kuGweru.
Mahoko akati mutumbi waCharlene Marobana wakawanikwa nehanzvadzi yake yechidiki.
“Zvinonzi Charlene Anesu Marobana mudzidzi weForm 4 paProgress College kuMkoba 14, Gweru akazvisungirira pamatanda edenga achishandisa tambo yemagetsi. Mutumbi wakaonekwa nehanzvadzi yake yechidiki uyo akazivisa amaiguru vake nezvechiitiko ichi, ”akadaro mutauri wemapurisa.
Mapurisa haasati awana chikonzero chekuzviuraya kwake asi achifungidzira kuti wechidiki aive nematambudziko aakatadza kubata.
“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa. Mutumbi wakaendeswa kumochari yemuchipatara cheGweru yeProvince wakamirira kuongororwa. Zvinotendwa kuti wechidiki anogona kunge akafunga kutora hupenyu hwake nekuda kwematambudziko aakatadza kubata.