
Mukadzi anogara muHarare akawonekwa aine mhosva yekunyepa kuti mukomana wake akamubata chibharo ndokubva aitwa kuti imbwa dzinanzwe sinhi rake.
Melody Chitambo, akawonekwa achinyepa nemhosva dzaaipomera mukomana wake Urs Joseph Ettilin mushure mekunge atadza kupa humbowo hwaidiwa neHurumende kuti nyaya itongwe.
Urs Joseph Ettilin akabuditswa mujeri Nekuonekwa asina mhosva yaaive apomerwa naMelody uye nekushaikwa kweumbowo hwekuti akapara mhosva.
Docket rakadzoserwa kuna Melody Chitambo rawanikwa risina hombowo hwaidiwa nedare uye nekuonekwa kuti mhosva dzaipihwa murume uyu dzaive dzisina musoro.
Chitambo akati akabva pamba achienda kunorara kumba kweshamwari ndokudzoka muzuva raiteera mangwanani, paakapinda mumba havana kuwirirana na Urs Ettilin achibva amumanikidza kurara naye pasina zvekudzivirira uye vasina kuwirirana.