
VaMoyo vanonzi vadhonza danda ranga richibvira pamoto wavanga vachidziya ndokurova Jubane kumusana nomumusoro.
Mushure mekurova Jubane nekuona kuti anga adonha nekufenda, Moyo atiza kubva panzvimbo.
Azosungwa mushure mekunge mapurisa aenda panzvimbo iyi ndokubva vamutevera kwaanga aenda kunowanda pedyo nekwaChinotimba. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North Inspector Glory Banda vazivisa chiitiko ichi:
Tatambira nyaya yemhondi apo mumwe murume arohwa nedanda ranga richiibvira moto ndokufa. Kuferefetwa kuri kuenderera mberi uye mupare wemhosva iyi asungwa.
Vati vamwe vashandi vaedza kupa rubatsiro kuna Jubane asi havana kukwanisa kumumutsa sezvo anga atofa.
Mapurisa akurudzira veruzhinji kuti varege kushandisa mhirizhonga semhinduro.