
NewsDzeZimbabwe
Mumwe murume wekuHwange akasungwa achipomerwa mhosva yekuuraya aimbove mudzimai wake waaipomera mhosva yekumuisa runyoka kuti asaita bonde nevamwe vakadzi.
VaMabhena vanomiswa pamberi pemutongi wedare reHwange Amai Aeiline Munamati nezuro vachipomerwa mhosva yokuponda aimbove mudzimai wavo, uyo wavaipomera kuti ainge avaroya nerunyoka.
VaJonathan Mabhena vekuLower Colliery vakapomera aimbove mudzimai wavo, Amai Gertrude Ngwenya vachiti vanomuroya izvo zvakaita kuti varwadziwe netsvina.
VaMabhena vnonzi vakabaya mushakabvu uyu kakawanda nebanga remukicheni pachipfuva, pahuro, paruoko nepadumbu akafira ipapo.
Vakaendeswa muhusungwa uye vakurudzirwa kuti vakumbire mukana wekubvisa mari yechibatiso kudare reHigh Court.