
The Chronicle
Mumwe murume wekuGokwe Admire Moyo anemakore 24 okuberekwa anotongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi neina.
Moyo anopomerwa mhosva yekushugurudza vanhu achivabira nekuvatyisisdzira nebanga.
Moyo anemhosva dzehumbavha dzakawanda idzo dzaakambopara akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi makumi matatu munaGumiguru gore rapera. Akabvisirwa mwedzi mitanhatu pamutongo uyu.
Svondo rapera Moyo akamiswa zvakare pamberi pemutongi wedare remejasitiriti reHwange achipomerwa mhosva yekuba.
Mhosva yaakapara ndeyekubira Amai Ncube avo vaakabatira banga achivatyisidzira achiti aizovabaya kana akasavamupa mari yaaida. Akabvuta handbag yavo yaive nemari nenharembozha kwave kutiza nayo.
Amai Ncube vakanomhan’ara zvakazoita Moyo asungwe.