
Murume opfuura mukadzi wake nemwana(1) mushure mekunge mukadzi wake ahwina $2 million mulottery.
John Donato nemukadzi wake Tiffan Hill, murume anobva kuOklahoma akapfuura mukadzi wake nemwana ane makore (1) asati azvinongedzera nepfuti.
Tiffani Hill, 31 akahwina $2 million muCalifornia lottery nemwana wake musikana Leane.
John nemukadzi wake vakaonekwa vakafa mumba mavo, Leane akawonekwa ane maronda akanyanya ekupfuurwa nepfuti.
Akaendeswa kuchipatara kunorapwa kuDallas kwaakanofira.
Vana vaTiffani vatatu vakaita rombo rakanaka nekuti vaisavepo pakaitika izvi.
Tiffani akahwina mari yakawanda inopfuura $2 million muna November 2020 akatenga Carlifornia Instant Prize crossword scratcher mushure mekuhwina mari akaroorwa papera mwedzi (4) naDonato akabva muCalifornia achienda kuOklahoma.
Mari yake ndiyo yakakonzeresa kufa kwake nemwana wake.
Lawyer wemhuri yaTiffanaishushwa nemurume wake, Theresa McGehee anoti John aive nenhoroondo yehunhu wekushungurudza.
Mushure mekunge Tiffan afa mari yakasara palottery yakaiswa muzita revana vake.