
Bright Makwindi, akasungwa pamwe chete nemadzimai ake maviri mushure mokupara mhosva pamwechete.
Mapurisa atsigira kusungwa kwaBright Makwindi 33, nemadzimai ake, Memory Mandingo, 29, vekuVengere naLuisa Chikondo, 27, nekupaza dzimba dzevagari veko vachivabira.
Vaisarudza imba yavo voenda vogogodza pamusuwo, kana vanhu varipo, vaikumbira mvura vobva vaenda. Kana pasina munhu, vaifonera Makwindi kuti auye apinde mumba.
Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa mudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka vakati vapomerwi vatatu ava vachamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekupinda zvisiri pamutemo mudzimba dzevanhu nekuba