
Mukadzi nemurume vekuChitungwiza avo vasati vabaiwa vaccine reCovid-19, vamira pamberi pedare nemhosva yekutenga mavaccination cards kune mushandi wepaChitungwiza Central Hospital.
Musoni Kushinginya nemukadzi wake Tsitsi,vakabvuma mhosva yavo pamberi pemutongi wedare musi weChishanu. Vaviri ava vari kutarisirwa kupihwa mutongo wavo.
Musoni nemukadzi vakatenga mavaccination cards kuna Angela Taengwa uyo anoshanda paChitungwiza hospital ari general hand. Taengwa akabvuma kuti akatengesera vaviri ava macards uye akamirira kupihwa mutongo wake.