
Fungai Lupande uyo ane makore 61 wekuMatepatepa kuMashonaland Central akazviuraya mushure mekunge anzi ane zvidhoma uye ndiye ari kukonzeresa moto usinganzwisiki nen’anga.
Mutauriri wemapurisa kuMashonaland Central Assistant Inspector Naison Dhliwayo vakati nemusi wa20 Nyamavhuvhu Almeda Goes akanwa mushonga unouraya, akazofira kuchipatara.
“Izvi zvakaitika mushure mekunge anzi nen’anga auye kuzocheneswa.”Moto usinganzwisisiki uyu wakatanga musi wa27 Chikumi uye wakapisa dzimba 30 kuTorero. Dzimwe dzimba 27 dzekuBurnridge Farm dzakatsva.