
Murume ane makore (39) anogara kuCookeville akacheka nhengo yake akairasa nepa-window remota yake uye mapurisa achimutevera musiwa (25) August
Murume azvicheka nhengo yake achiti anga achinzwa mazwi pa-radio achiti abvise nhengo yake, anoti mazwi aya aiti akabvisa nhengo yake aikwanisa kubetsera nyika.
Mapurisa aimutevera anoti akawona murume uyu asina kupfeka uye akazara ropa mumuviri wese.
Vakakwanisa kumubata nema-spikes aive aiswa mumugwagwa kuti asarambe achifamba.
Akaendeswa kuchipatara kuVanderbilt University Medical Center kunorapwa.