
Murume weBulilima akarova ndini ndamubata kusvika afa nenyaya yekuvatyisidzira kuvasunga vakaramba vachiita ruzha.
Mupurisa weMatebeleland South provincial, Inspector Loveness Mangena vanoti Alfred Tshuma (20) anobva mudunhu raMambo akarova Nyaladzani Ndlovu kusvika pakumuuraya.
Ndlovu akasangana naTshuma aive mukambani imwe chete neshamwari yake achibva kunonwa hwahwa.
Alfred Tshuma akasiya Nopemano Business Center mukambani yevamwe vana achibva kunonwa hwahwa. Vachienda kumba vakasangana naNdini Ndamubata akavatyisidzira kuti achavasunga vakaramba vachiita ruzha mumugwagwa. Hazvina kuitira Tshuma mushe akaudza Ndlovu kuti haambofe akavasunga.
Tshuma naNdlovu vakatanga kunetsana, nekurwa. Tshuma akapusha Tshuma pasi akafira pamzvimbo yaakadonhera. Tshuma akatiza, nyaya yekasvika munzeve dzemapurisa eZRP Madlambuzi, mapurisa akaenda kwaakafira Ndlovu. Mapurisa arikutsvaga Tshuma uyo akatiza mhosva dzake.