
Murume ane makore (64) anobva kuShamva akauraya mwana wake mukomana (3) nedemo zvichitevera kusawirirrana kwake nemudzimai wake.
Murume uyu aishungurudza mhuri yemukadzi inemakore 14, 11, ne10 kubva 2019.
Ward 19 Councillor Alderman Willard Zihowa vanoti izvi zvakaitika nezuro zvichitevera kusawirirana kwemukadzi nemurume.
Murume akatora danda akanorova mwana asati atora demo.
“Akatema mwana nedemo akafira panzvimbo,”Alderman Zihowa anodaro.