
Mumwe murume anofungidzirwa kuti airwara nepfungwa akapiswa akafa kuMasvingo nezuro manheru nemoto waaive agadzira kuti adziye.
Mutumbi wakatsva zvekutadza kuzivikanwa wakawanikwa kuseri kweFamily Pharmacy muCDD uye Mapurisa akautora nenguva dza10 mangwanani.
Nzvimbo yakapisirwa mufi yairatidza kuti paive nemoto waibvira pamapepa nemapurasitiki. Kuedza kuziva mufi kwakanetsa.
Hapana chirevo chemapurisa chakakwanisa kuwanika panguva iyi.