
Murume wekuNyabira apiwa mwedzi inokwana kuita (9) ari mujeri nemhosva yekubatwa ane mbanje.
Clayton Mamvura (20)wekuWarley Farm akanomira pamberi peChinhoyi Magistrate Lisa Mutendereki kwaakanoonekwa ane mhosva.
Akapiwa mwedzi (12) ari muchitokisi kwaakanobvisirwa mwedzi mitatu, nekushanda zvakanaka mujeri.
Mamvura achagara mwedzi inosvika (9) arimujeri.
Review Nikisi akaudza dare kuti musiwa 18 August makuseni na8am, mapurisa akenda kumba kwake uku kwaive kwarwiwa, akapomerwa mhosva yeku rove Aleck Vioka muvakidzani wake.
Mapurisa akamusungira mubindu rake vakabva vaona maplants anosvika (16) embanje aive mugarden.
Mapurisa akakumbira rezinesi rinomutendera kudyara mbanje asi iye haana kuburitsa kana kupa tsananguro inogutsa.
Akapihwa mhosva yekudyara mbanje zvisiri pamutemo uye mapurisa akawanazve mbesa dzaigadzirwa mudare semuenzaniso.