
Ambuya varikushungurudzika uye varikutya kugara nemwana wavo mukomana.
Izvi zvakaitika mushure mekunge mwana wavo mukomana aedza kuvauraya musiwa 2 August,achivapa mhosva yekuti vaida kutengesa imba yavo.Gogo vane makore (81) vanobva kuKhayelitsha,cape Town,vanoti vane bill remvura rakakurisa,vakabatsirwa kuendesa nyaya iyi kudare nehama yavo.
Mwana wavo mukomana paakaona mapaper ekucourt,akanzwa hasha uye akavapomera mhosva yekuda kutengesa imba iye asingazvizive.
“Imba yangu,ndakaitenga nemurume wangu akafa, Asi Mwana wake anoti imba yake uye handifanire kuitengesa, Akashandisa banga akariisa pahuro yangu akanditi ndiite munamato wangu wekupedzisira, ndakamuti averenge mapepa zvakanaka asi zvakawedzera hasha dzake.”
“Pandakamukumbira kuti ndiende kuchimbuzi,akati kana ndakazviitira aive asina basa nazvo.”
Gogo Ava vakazopukunyuka pakabuda Mwana wavo achienda kuchimbuzi,vakashevedzera vachida kubatsirwa.Pakauya vavakidzani vavo vakabatsirwa,Mwanakomana uyu akasungwa.
Chero zvavo Mwana wavo akasungwa vanoti havachadi kumuona achiuya pedyo navo zvekare vavakutya kuuraiwa nemwana wavakazvara.