
Murume ane makore (40) ekuberekwa wemuZimbabwe asungwa nemapurisa ekuSouth Africa nekugara achibata chibharo vanasikana vake vaviri vane makore (13) kusvika (15) kusvika mukuru azvitakura.
Murume uyu asungwa munzvimbo yeZidwe kuPort Elizabeth, pakapindira sangano reZimbabwe Migrants Support Network (ZiMSN) munyika yakavakidzana.
Munyori mukuru weZiMSN, VaShelton Chiyangwa, vanoti vechidiki vaviri ava vaendeswa kunzvimbo yakachengetedzeka kunopihwa mazano pamwe nerutsigiro.
VaChiyangwa vanoti murume uyu aonekwa kuNew Brighton Magistrate Court kuPort Elizabeth akatarisana nemhosva yekubata chibharo uye akamiswa mutirongo kusvika musi wa30 Chikumi kuti akwanise kunyorerana mari yechibatiso.