
Murume wekuDzivarasekwa akasungwa nemhosva yekurova sinhi remushandi wake zvekumanikidzira.
Panganai Chijaka haana kupihwa nguva yekutaura divi rake apo paakamira pamberi pedare iro raitungamirirwa naDennis Mangosi.
Dare rakaudzwa kuti nemusi wa6 Chikunguru masikati Chijaka aiva akatakura mabox emafuta ekubikisa apo akasangana nemusikana uyu akamuudza kuti ari kutsvaga musikana anoshanda mutuckshop kuDzivarasekwa 3.
Musikana akabvuma uye vakataurirana kuti vaizosangana kumba kwaChijaka. Musikana akatanga basa rake zvakanaka nguva dzekupedza basa dzakwana Chijaka akakiya door akabata mwanasikana wevanhu, vakatanga kurwisana.
Chijaka akaruma musikana uyu padama uye akamukurira simba ndokumubvisa hembe dzaainge akapfeka zvese nebhurugwa akarara nemwana wevanhu asina chiputiro apo ainge akabata banga.
Musikana akanomhan’ara nyaya yake kumapurisa uye akanzi aende kuchipatara kunotariswa zvinenge zvabuda ndizvo zvinenge zviri humbowo.