
Mumwe murimi wekuGokwe ari kurwadziwa zvakanyana mushure mekuurairwa nekupisirwa mombe dzake 12 nevebazi reDepartment of Veterinary Services vachimupomera mhosva yekudzitamisa kubva kunerimwe dunhu zvisiri pamutemo.
Mombe idzi dzakabviswa munzvimbo yaMambo Chiyera kuGokwe North dzichiendeswa kumusha weMabhangara mudunhu reSanyati kuMashonaland West.
VeDepartment of Veterinary Services Division vanoti kuparadzwa kwemombe idzi kwakaitirwa kudzivirira kupararira kweFoot and Mouth Disease nekuti zvimbo yeGokwe iyo yakabva mombe idzi yakanyanya kuzara chirwere ichi.
“Ndakarwadziwa zvikuru uye nanhasi ndichiri kurwadziwa nekuti ndihwo hwaiva hupfumi hwangu semurimi. Ndaiti ndirikuedza kuponesa mombe dzangu nekudziendesa kumafuro ari nani. Asi dzose dziri 12 dzakauraiwa dzikapiswa sezvo ndichinzi ndakadzitamisa zvisiri pamutemo, ” vanodaro VaSimukai Zvandasara.