
Murume ane makore makumi maviri nematatu anobva kuJambezi kumucheto kweVictoria Falls akaitisa pamuviri- musikana ane makore gumi nemana ekuberekwa weFomu yechipiri, akamumanikidza kusiya chikoro apihwa mutongo wokuti aite basa reruzhinji pachikoro chepuraimari chiri pedyo.
Zacharia Nyoni anogara mumusha weZhulandangalilo pasi paSabhuku Shana akakumbira rudo kumusikana uyu, uyo asingadomwe nezita kuchengetedza zita rake, muna Kubvumbi gore rakapera uye vaviri ava vakabvumirana kuita se_x muna Gumiguru.
Nyoni akaendesa musikana uyu musango kuMakororo Village kaviri apo akabva abatira pamuviri