
Mumwe mukadzi anobva kuFilabusi arikunzi akatemwa nedemo akafa nemusi weChina, chitunha chake chikanokandwa mugwenzi kuseri kweFilabusi High School.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland South, Inspector Loveness Mangena vanozivisa nezvechiitiko ichi.
Zvichakadaro, veku Filabusi varikuti-o mukadzi uyu anonzi akatemwa nedemo akafa neaimbova murume wake.
Zvirikunzi mukadzi nemurume ava vakaita gakava kwenguva refu pamusoro pemwana wavo uyo arikufungirwa kuti haasi weropa rimwechete nanyakuuraya uyu. Zvinonzi murume uyu, mushure mukuuraya mukadzi uyu, akashandisa nharembozha yemukadzi uyu kufonera mapurisa nehama dzake achivazivisa kuti aona munhu akafa mugwenzi.
Paakafona akaita sokunge atongosanganawo nemunhu akafa ndokuti regai ndizivise vanhu, zvino hama dzomushakabvu dzobvunza nyaya yacho dzinoti, “waziva sei kuti mukadzi uyu afa uye wasvika sei panzvimbo yemushakabvu uyu? Watora sei foni yemukadzi uyu?
Pakasvika mapurisa achitakura chitunha ichi akacherechedza akaona kuti pakava nokurwisana mukadzi achiedzwa kubatwa chibharo sezvo muviri wake wakawanikwa uri half naked.
Murume uyu anonzi akaudza hama nemapurisa kuti aive kuGwanda asi kuyedza kumutsvaga kubvira parunhare urwu hakuna kuzobudirira nenhamba mbozhanhare isingachagone.
Murume achitaura kudivi kwake achiedza kunzvenga mhosva anoti iye aive kuGwanda aitomutsvakawo ndokubva amuwana akati gunduru mugwezi akatofa. — Sunday News