
Murume anobva kwaGarimba Village kwaSabhuku Chingoma kuMberengwa, kudunhu reMidlands akarumwa nenyoka aripakati pekurova sinhi remukadzi wemunhu musango.
Edmore Marongwe naChiedza Mazvimbakupa vanonzi vaive vakataurirana kuti vanosongana kusango kunodashurana.
Marongwe aripakati pekurova sinhi akarumwa nenyoka yaive nehuturu pagumbo, nyoka iyi yaive yakarara pavaive vakarara.
Mazvimbakupa paakaona kuti mumwe wake arumwa nenyoka akamhanya kunotsvaka rubatsiro kuti mumwe wake abatsirwe,vanhu pavakaenda naMazvimbakupa kwaive kwarumirwa Marongwe vakamuona akapfeka zvipfeko zvemukati chete.
Macondom matatu akashandiswa akawonekwa pedyo pavaidashurana zvavo.
Nekuda kwehuturu hwenyoka Vakabatsira murume uyu vakamupa mushonga wekuti marwadzo adzikire.
Sabhuku vemudunhu iri vakashamiswa nechiitiko ichi chakaitika muvillage make.
Marongwe akataura achiti paakarumwa nenyoka aiita bonde namazvimbakupa mushure mekuwonekwa asina kupfeka nevabatsiri.
Mazvimbakupa akakumbira vapfuuri ruregerero nekisaudza Murume wake zvanga zvaitika.
Mumwe wevapfuuri aitaridza kuti aive nehukama nemurume waMazvimbakupa, akaramba kumuregerera.
Vanhu vaviri ava kaive kasiri kekutanga vachiita bonde musango,akadaro mubatsiri aive pavanhu ava.