
MUMWE mushandi mukuru wepakoreji yekuLomagundi akatongerwa kugara mujeri kwemakore 15 nemhosva yekubata chibharo mwanasikana wake.
Lovemore Phiri (48) wekuStaff Quarters, muChinhoyi, akamiswa pamberi pemutongi wedare ramejasitiriti remuChinhoyi, Ignatius Mugova, akatarisana nemhosva yekubata chibharo katatu, ndokupiwa chirango chekugara mujeri kwemakore gumi nemashanu.
Muchuchisi, Nyasha Sibesha, akaudza dare kuti nomusi wa21 Nyamavhuvhu gore rakapera nenguva dza8pm, Lovemore akadzokera kumba akadhakwa ndokuwana stepdaughter wake achibika. Akamuudza kuti aida kurara naye asi akaramba.
Lovemore akabva amudhonzera muimba yake yekurara nechisimba ndokumubata chibharo.
Musikana uyu haana waakaudza, sezvo Lovemore akanga atomutyisidzira kuti aisazomutengera chikafu kana akazivisa munhu nezvechibharo ichi.
Zuva rakatevera racho, akamuwana ari oga. Akadazve kurara naye akaramba. Musikana akabuda panze ndokudzoka pave paye ndokutanga kuita basa rake muimba yekubikira. Lovemore akamubata chibharo zvakare muimba yake yekurara, uyezve haana kuudza munhu nezvenyaya iyi.
Musi wa23 Nyamavhuvhu, mwana uyu aisuka ndiro panze uye Lovemore akamudhonzera mumba ndokumubata chibharo.
Akazongoudza mudzidzisi wake nezvekubatwa chibharo musi wa16 Gunyana uye nyaya yakamhan’arwa kumapurisa zvikazoita kuti Lovemore asungwe.
By Makhoti