
MURUME ane makore 64 ekuberekwa muShamva akauraya mwanakomana wake ane makore 3 nedemo nezuro zvichitevera kunetsana mumba kwaakaita nemukadzi wake.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsigira nyaya iyi.
Akati murume uyu anonzi aishungurudza hama dzemukadzi wake vane makore 14, gumi ne11 kubva mugore ra2019.
Asst Comm Nyathi vakurudzira vabereki kuti vakoshese kuchengetedzeka kwevasikana uye varege kuvasiya vari mumaoko ehama dzechirume.
Councillor weWard 19, Alderman Willard Zihowa, anoti chiitiko ichi chakaitika nezuro zvichitevera kusawirirana kukuru pakati pemurume uyu nemukadzi wake.
Murume uya akabva atanga kurova mwana nedanda asati amutema demo.
“Akarova mwana nedemo,mwana akafira ipapo,” akadaro Alderman Zihowa.