
Murume ane makore makumi matatu nemapfumbamwe wekuNyanga akasungwa kutanga kwesvondo rino achinzi akaponda baba vake nematombo mushure mekuvapomera huroyi.
Josphat Sachota akarwisa Alois Sachota (70) nematombo muMusha weSatuku pasi paSabhuku Saunyama.
“Nemusi weSvondo, Josphat aive achibva kugadheni paakasangana naAlois.
“Akapomera baba vake kuti vanoroya uye vairoya mhuri yavo.
“Akatema baba namabwe kusvika vadonha. Akanhonga dombo ndokuvapwanya kusvikira vafa. Mudzimai waAlois, Mary, akamhan’ara nyaya iyi kuNyamaropa Police Station.
“Mapurisa akamhanyira kunzvimbo iyi ndokusunga Josphat,” akadaro Inspector Chananda.