
MyZimbabweNews
Huwandu hwendufu dziri kukonzerwa nevanorwara nenjere dzave kuitika mazuva ose muZimbabwe uye vezveutano vanoti dambudziko iri riri kukonzerwa nekushaikwa kwemishonga kune vanorwara nepfungwa.
Austin uyo anorwa nenjere anogara kuBikita akatema baba vake VaMutinini Nhengo nematombo, avo vanemakore 77 okuberekwa kusvika vafa vasina kumbomudenha. Izvi zvakaita mumaziso emushakabvu Constance Svosve uyo anemako 67 okuberekwa.
Mufi akakuvara kakawanda mumusoro achibva afira ipapo. Svosve akatadza kudzora mwana wake.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanotsinhira nyaya iyi kuThe Mirror.
Vakakurudzira veruzhinji kuti vaone kuti vanorwara nepfungwa vagara vachitora mishonga yavo.