
Mumwe murume akashanyira shamwari yake nemukadzi wake akakonzera nyonga nyonga kumba kweshamwari yake apo paakarova mukadzi wake pamusoro penyaya diki yavasina kunzwanana uye akabaya shamwari yake yaiedza kubatsira nebanga.
Izvi zvakaitika musiwe svondo na8 pm kuHillcrest suburb zvakaitika pamaminitsi (15).
Arnold Chiturumani (31) aive pagedhi repamba pake achida kubuda nemukadzi wake Shanaaz Chiketa (29), Akem Manyika (49) akanzwa ruzha kugedhi kwake akamhanya kunoona chaitora nzvimbo.
Akaona Chiketa achichema, akamubvunza chaitora nzvimbo akati Chiturumni amurovera nyaya isina musoro. Manyika akavaita kuti vasarwe akadzokera muimba yake yekurarira akarara.
Papera maminitsi Manyika akanzwa kuchema panze akamhanya akaona Chiturumani achirova mukadzi wake. Akaedza kumumisa kuti asarwenemukadzi wake asi nehasha akaenda kwaive akasundwa pagedhi.
Akaisa maoko muhomwe akatora banga akamubaya ruoko rweku boshwe. Akamuudza kuti asapinda munyaya dzake nemukadzi wake akamuti akazviita zvekare anomuuraya.
Manyika akataura nyaya iyi kumapurisa kuHillside Police Station zvakaita kuti asungise Chiturumani.