
Mukadzi ane makore makumi matatu 30 akafa mushure mekunge abatwa chibharo nekubaiwa ka17 nemudiwa wake mushure mokunge amuudza kuti haachamude.
Mutumbi waNokukhanya Masango wakawanikwa mubindu repamba pake kuEkubuseni Village, Nongoma, kuchamhembe kweKZN.
Captain Nqobile Gwala akazivisa chiitiko chinotyisa chakaitika musi wa1 Gunyana. Zvirikunzi mapurisa ekwaNongoma ari kuferefeta nyaya yemhondi iyi nekubata chibharo kwayakaita.
Vachitaura mushure merufu, munin’ina waNokukhanya Nkanyiso (28) akati arwadziwa nerufu rwehanzvadzi yake.