
Bulawayo2
Mapurisa eZimbabwe Republic Police anoti akasunga murume anonzi Aphios Gwatirenda anemakore 71 okuberekwa nemhosva yekuponda mwana mudiki anemakore 6 okuberekwa kuRunoza Village, kwaChivi nomusi wa4 Kurume gore rino.
Mwanakomana uyu nemadzikoma Ake ayo anemakore 10 ne12 okuberekwa vanonzi vakaenda kumunda waGwatirenda uko vakanoba Ipwa. Gwatirinda akavadzingirira ndokubata mudiki ndokumudzipa kusvika afa.
Kutaura kuno Gwatirenda arimumaoko emapurisa.