
Mumwe murume wekuZvishavane ari mukurwisana nehupenyu hwake mushure mokunwa muchetura pamberi peaimbove mukadzi wake mushure mokurambidzwa kuona vana vake.
Vakaona chiitiko ichi chakaitika Muvhuro svondo rapfuura vakati VaPromise Mariba, chipangamazano wezvemutemo mudhorobha rekuchera asbestosi vakashanyira aimbova mudzimai wavo, Angeline Phiri achida kuwana mukana kuvana vavo vaviri asi akarambidzwa.
Kukandirana makobvu nematete kwemazwi kwakatanga nanatsano vachida kuti lobola itange yabhadharwa vasati vasunungura vana.
VaMariba vakabva vatyisidzira kuzviuraya nekuzvisungirira pagedhi repamba pavo kuMaglass asi hapana akazvitora zvakanyanya sezvo vakaramba kutyisidzira kwavo, akadaro mumwe mufakazi akakumbira kuti asadomwa zita.
Munhu aitaura nyaya iyi uyu akati VaMariba vakabuda mumba kwenguva pfupi asi vakazodzoka vaine chepfu yemakonzo mumaoko avo.
Vakati vaizonwa muchetura kana vakasasunungura vana asi aimbove mudzimai haana kukwanisa kutirimuka.
VaMariba vakazoendeswa kuchipatara nemuvakidzani mushure mekunge vanwa muchetura pamberi pevaimbove mudzimai wavo pamwe nanatezvara.
VaMariba vakasimbisa chiitiko ichi pavakafonerwa kuti vataure nezuro, vachiti vave kupora mushure mekuburitswa muchipatara.
“But I am ok now. . . ivo vairamba kusunungura vana vangu, saka pakanga pasina chikonzero chekuti ndirarame mushure mekupedza mwedzi yakati wandei ndisina kuona vana vangu vega.
“Ini ndanga ndisingade kuvaendesa zvachose, ini ndaingoda kuwana mukana kuvana vangu kwevhiki asi vanga vachiramba saka ndaifanirwa kutora danho iri (kunwa muchetura),” akadaro.
.